Home Ask Tete Tete: Panotunda murume pakuisana mukadzi anonzwa kunakirwa here?

Tete: Panotunda murume pakuisana mukadzi anonzwa kunakirwa here?

5289
0
kunakirwa pakuisana

Tete: Panotunda murume pakuisana mukadzi anonzwa kunakirwa here?

Chinonaka pakuiswa chiri pazvinhu zvitatu zvakasiyana siyana:

1. Panotanga kupinda mboro pane kanguva kadikidiki paunonzwa muviri kunakirwa nekupindwa ikoko asi kana usina kunatsonyorova zvinorwadza zvobva zvakanganisa nyaya yese.

2. Pakukoirana nemurume mboro ichikwesha mukati, zvinonaka chose.

3. Pakunakirwa zvokusvika pakutunda kana murume akunonokera.

kunakirwa pakuisana

Asi nzwisisai kuti vanhukadzi vanotunda kubva pakungopinzwa mboro nekukoirwa vashoma. Vakadzi vakawanda vanoda kuti uku murume ari kukukoira uku iwe kana murume ari kukwizirira kabhinzi. Zvinonaka izvozvo. Kozotiwo kusvetwa kana kunanzviwa kabhinzi kunonaka kupfuura kuiswa.

Pakutunda kwemurume vakawanda havatombonzwi kuti murume atunda. Kungoona nemaitiro ake kuti ari kutunda. Asi kana mukakwanisa kuti iwe wotanga kutunda murume otevera. Ndizvo zviri nani.

Loading...