Connect with us

Ask Tete

Zvokudya zvokupa varume kupi vagadzire hurume hwakakora!

Published

on

bonde

Vamwe venyu vanongochema chema kuti sei murume asingafarire bonde mumba make. Asi iwe uriwe usinganzwisisi kuti murume anopihwa zvekudya zvakaita sei.Kugeza ndiko hako asi kana murume asina zemo anongokufemedza obva arara. Zvokudya izvi zvinomugarisa akakwanira basa mumba. Asi iwe chionawo kuti kana akuda bonde haunonoki kumupa manheru nemangwanani, pamwe husiku muri kuhope. Ndiyo pfee mukati mebeche.

Wawona kuwanda kwakaita zvinoshanda pavarume vedu. Chiwanawo zvimwe zvacho zvinopfuura gumi zvinowanika kwauri ikoko.

Kuti muviri ugadzire hurume ibasa hombe uye nzwisisai kuti kana zvokudya zvisina kukwana anokwanisa kugadzira hurume hwakaremara zvoreva kuti kana muri kuzama kuita mimba zvinokwanisa kukunonotsai.

Mazuvano vanhu vava kunzwisisa kuti kudya zvokudya zvizere mafuta handizvo. Usagaropa murume zvokudya zvizere mafuta kana uchimuda. Kana usingamudi feed hako kuti akasire kufa.

bonde

Kana ukaona murume akatanga nyaya yokuita chidumbu, buda naye muchimbofamba famba muchiita nyaya. Uchaona kuti nyaya dzinoitwa mufresh air, inyaya dzinowedzera kudanana kwenyu pauviri hwenyu. Kufambafamba kunowedzera hutano hwenyu mese. Kunowedzera kumhanya kweropa saka pakunorara unohoneswa zvazvinoreva.

Isu ndisu tinoona nezvehutano hwemhuri saka ngatiite basa redu nemoyo wese.

Zvokudya zvokupa varume vedu

  1. Walnuts
  2. Dovi remhodzi dzemapudzi
  3. Strawberries and raspberries
  4. Avocados
  5. Mavise/manwiwa
  6. Almonds
  7. Dark Chocolate isina sugar
  8. Mazai
  9. Peaches
  10. Spinach
  11. Red cabbage
  12. White fish
  13. Saffron
  14. Steak
  15. Mhiripiri
  16. Ginger
  17. Mabanana
  18. Garlic
  19. Oats porridge
  20. Pormigranate
  21. Sadza remhunga nerezviyo
  22. Beetroot
    23. Blueberries

Source – NhauDzevakuru

Advertisement
Comments

Trending