Ndingaita sei kuti murume wangu anakirwe pabonde?
Murume umwe neumwe ane zvaanofarira pakuisana kwenyu. mukadzi umwe neumwe ane zvaanofarirawo iwe pane zvaunofarira zvisinei nekuisana kwevamwe vakadzi nevarume vavo.
Kuti unzwisise zvinonakira murume wako bvunza murume wako kuti chii chaanoda kuti ugare uchiita chinomunakira. Gara uchibvunza nguva nenguva kuti akuudze zvaanoda. Iwewo muudze zvaunoda mese munakirwe nekuisana kwenyu.
Asi nzwisisa kuti kana waziva zvaanoda chiona kuti unogarozviita. Kana akakuudza chaanoda iwe usingachidi, chitodzidzira kuchiita nekuti ndizvozvinoda murume wako. Hakuna umwe murume wauchawana futi iyeyu ndiye wako. Unokwanisa hako kunoita hure reumwe murume asi uyu ndiye wako.
Vakadzi vakawanda kana akaita chikomba anoitira chikomba zvese zvese asi murume wemumba anonyimwa zvaanoda. Uku kusanzwisisa zvachose chose, fadzai murume mumba iye akufadzewo.